Isaiah 42

Muranda waJehovha

1“Tarirai muranda wangu, wandinotsigira,
musanangurwa wangu wandinofarira;
Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake,
uye achavigira ndudzi kururamisirwa.
2Haazodanidziri kana kuridza mhere,
kana kusimudza inzwi munzira dzomuguta.
3Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni,
uye nomwenje unopfungaira haazoudzimi.
Mukutendeka, achavigira vanhu kururamisira;
4haangakoniwi uye haangaperi simba
kusvikira asimbisa kururamisirwa panyika.
Zviwi zvichaisa tariro yazvo mumurayiro wake.”

5Zvanzi naMwari Jehovha,
iye akasika matenga akaatatamura,
akatambanudza nyika nezvose zvinobuda mairi,
anopa kufema kuvanhu vayo,
noupenyu kuna avo vanofamba pamusoro payo:
6“Ini, Jehovha, ndakakudana mukururama;
ndichabata ruoko rwako.
Ndichakuchengeta ndigokuita
kuti uve sungano yavanhu
nechiedza kune veDzimwe Ndudzi,
7kuti usvinudze meso asingaoni,
usunungure vakasungwa mutorongo
uye usunungure vari mugomba, avo vagere murima.

8“Ndini Jehovha; ndiro zita rangu!
Handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe,
kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo.
9Tarira, zvinhu zvakare zvaitika,
uye ndiri kutaura zvinhu zvitsva;
izvo zvisati zvavapo
ndinozvizivisa kwamuri.”

Rwiyo rwoKurumbidza Jehovha

10Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,
murumbidzei kubva kumagumo enyika,
imi munoburukira kugungwa, nezvose zviri mariri,
imi zviwi, navose vanogaramo.
11Gwenga namaguta aro ngazvidanidzire;
nzvimbo dzinogara Kedhari ngadzifare.
Vanhu veSera ngavaimbe nomufaro;
ngavapururudze pamusoro pemakomo.
12Ngavape rukudzo kuna Jehovha
uye vaparidze rumbidzo yake kuzviwi.
13Jehovha achabuda somunhu ane simba,
semhare, achamutsa kushingaira kwake;
nokudanidzira, achamutsa kurwa
uye achakunda vavengi vake.

14“Nokuti ndanga ndakanyarara kwenguva refu,
ndanga ndinyerere uye ndichizvidzora.
Asi zvino kufanana nomukadzi ari kusununguka,
ndiri kudanidzira, ndiri kufemedzeka nokutakwaira.
15Ndichaparadza makomo nezvikomo,
uye ndichaomesa zvose zvawo zvinomera;
ndichashandura nzizi dzikava zviwi,
uye madziva ndichaaomesa.
16Ndichatungamirira mapofu nenzira dzavasingazivi,
nomumakwara avasina kuziva,
ndichavatungamirira; ndichashandura rima rikava chiedza pamberi pavo
uye ndichaita kuti nzvimbo dzakaipa dziti chechetere.
Izvi ndizvo zvinhu zvandichaita;
handizovasiya.
17Asi ivo vanovimba nezvifananidzo,
vanoti kune zvakaumbwa, ‘Ndimi vamwari vedu,’
vachadzoserwa shure mukunyadziswa kukuru.

Israeri iBofu neMatsi

18“Inzwai, imi matsi;
tarirai, imi mapofu, muone!
19Ndianiko bofu, asi muranda wangu,
uye matsi kufanana nenhume yandinotuma?
Ndianiko bofu rakafanana naiye akazvipira kwandiri,
kana bofu rakafanana nomuranda waJehovha?
20Wakaona zvinhu zvizhinji, asi hauna kuva nehanya;
nzeve dzako dzakazaruka, asi hauna chaunonzwa.”
21Zvakafadza Jehovha
nokuda kwokururama kwake,
kuti akudze murayiro wake uye aubwinyise.
22Asi ava ndivo vanhu vakapambwa uye vakabirwa,
vose vakasungwa mumakomba
kana kuti vakavanzwa mumatorongo.
Vakava vabatwa,
pasina anovarwira;
vakaitwa chinhu chakapambwa,
pasina anoti, “Vadzoserei kwavakabva.”

23Ndiani pakati penyu achateerera izvi,
kana kurerekera nzeve dzake zvikuru panguva inouya?
24Ndiani akarega Jakobho achipambwa,
akaendesa Israeri kuvapambi?
Akanga asiri Jehovha here,
iye watakatadzira?
Nokuti havana kuda kutevera nzira dzake;
havana kuteerera murayiro wake.
25Naizvozvo akadururira hasha dzake dzinopisa pamusoro pavo,
iro bongozozo rehondo.
Rakavaputira muvira romoto, asi havana kunzwisisa;
rakavapisa, asi mwoyo yavo yakashaya hanya nazvo.
Copyright information for SnaBDSC